Genesis 7

1Ipapo Jehovha akati kuna Noa, “Pindai muareka iwe nemhuri yako yose nokuti ndakuona iwe kuti wakarurama murudzi urwu. 2Utore mhando dzemhuka dzose dzakanaka nomwe nomwe, mukono nehadzi yayo uye mbiri mbiri pamhando dzose dzemhuka dzisina kunaka, mukono nehadzi yayo, 3uyewo nomwe nomwe pamhando dzose dzeshiri, mukono nehadzi, kuti uraramise marudzi azvo akasiyana-siyana munyika yose. 4Mazuva manomwe kubva zvino ndichanayisa mvura panyika kwamazuva makumi mana nousiku makumi mana, uye ndichabvisa pamusoro penyika zvisikwa zvipenyu zvose zvandakaita.”

5Uye Noa akaita zvose zvaakarayirwa naJehovha.

6Noa akanga ava namakore mazana matanhatu okuberekwa panguva yakanaya mvura yamafashamu panyika. 7Uye Noa navanakomana vake nomukadzi wake navakadzi vavanakomana vake vakapinda muareka kuti vapunyuke pamvura yamafashamu. 8Zviviri zviviri zvemhuka dzakanaka nedzisina kunaka, zviviri zviviri zveshiri nezvezvisikwa zvose zvinokambaira panyika, 9mukono nehadzi, zvakauya kuna Noa ndokupinda muareka, sezvakanga zvarayirwa naMwari kuna Noa. 10Uye shure kwamazuva manomwe mvura yamafashamu yakasvika panyika.

11Mugore ramazana matanhatu roupenyu hwaNoa, pazuva regumi namanomwe romwedzi wechipiri, pazuva iro zvitubu zvose zvapakadzika zvakatubuka, uye masuo amafashamu okudenga akazarurwa. 12Uye mvura yakanaya panyika kwamazuva makumi mana nousiku makumi mana.

13Pazuva racho iroro, Noa navanakomana vake, Shemu, Hamu naJafeti, pamwe chete nomukadzi wake navakadzi vavanakomana vake vatatu, vakapinda muareka. 14Vakanga vane mhuka dzose dzesango namarudzi adzo, nezvipfuwo zvose namarudzi azvo neshiri dzose namarudzi adzo, nezvose zvina mapapiro. 15Zviviri zviviri pazvisikwa zvose zvino upenyu mazviri zvakauya kuna Noa zvikapinda muareka. 16Mhuka dzaipinda dzaiva mukono nehadzi pazvipenyu zvose, sezvakanga zvarayirwa Noa naMwari. Ipapo Jehovha akamupfigira mukati.

17Mafashamu akaramba achingouya panyika kwamazuva makumi mana, uye mvura sezvayakaramba ichiwanda yakasimudza areka pamusoro-soro penyika. 18Mvura zhinji yakasimuka uye ikawanda zvikuru panyika, uye areka ikayangarara pamusoro pemvura. 19Yakakwira kwazvo pamusoro penyika, uye makomo ose marefu ari pasi pedenga akafukidzwa. 20Mvura zhinji yakasimuka ikafukidza makomo kusvikira pamakubhiti gumi namashanu
mamita angaita 6.9
kudzika kubva pamusoro pawo.
21Zvipenyu zvose zvinokambaira panyika zvakaparara, shiri, zvipfuwo, mhuka dzesango, zvisikwa zvose zvakafararira pamusoro penyika, namarudzi ose avanhu. 22Zvinhu zvose zvakanga zvino kufema kwoupenyu mumhino dzazvo panyika zvakafa. 23Zvinhu zvose zvipenyu zvaiva pamusoro penyika zvakaparadzwa, vanhu nemhuka, nezvisikwa zvinokambaira panyika neshiri dzedenga zvakaparadzwa kubva panyika. Noa bedzi ndiye akasiyiwa navaya vaiva naye muareka.

24Mvura zhinji yakafukidza nyika kwamazuva makumi mashanu.

Copyright information for SnaBDSC